Psalms 139

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, makandinzvera
uye munondiziva.
2Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka;
munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.
3Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi;
munoziva nzira dzangu dzose.
4Shoko risati rava parurimi rwangu,
tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5Munondikomberedza shure nemberi;
makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.
6Kuziva kwakadai kunondishamisa,
kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7Ndingaendepiko kuti ndibve paMweya wenyu?
Ndingatizirepiko kuti ndibve pamberi penyu?
8Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko;
kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.
9Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza,
kana ndikandogara kumagumo egungwa,
10kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza,
ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

11Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza,
uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”
12kunyange rima haringavi rima kwamuri;
usiku huchapenya samasikati,
nokuti rima rakaita sechiedza kwamuri.

13Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;
makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
14Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;
mabasa enyu anoshamisa,
ndinonyatsozviziva kwazvo.
15Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,
pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.
Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
16meso enyu akaona muviri usati waumbwa.
Mazuva ose andakarongerwa
akanga akanyorwa mubhuku renyu,
rimwe rawo risati ravapo.

17Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari!
Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
18Dai ndaiverenga,
ingadai yaikunda tsanga dzejecha pakuwanda.
Pandinopepuka,
ndinenge ndinemi.

19Dai mukangouraya vakaipa, imi Mwari!
Endai kure neni, imi vanhu vokuteura ropa!
20Ivo vanotaura nemi nomurangariro wakaipa;
vadzivisi venyu vanoshandisa zita renyu zvakaipa.
21Ko, ini handivengi vanokuvengai here, imi Jehovha,
nokusema vaya vanokumukirai?
22Handina chimwe chinhu asi kuvavenga ivo;
ndinovati vavengi vangu.

23Ndinzverei, imi Mwari, mugoziva mwoyo wangu;
ndiedzei mugoziva kushuva kwendangariro dzangu.
24Muone kana musina nzira yakaipa mandiri,
mugondifambisa munzira isingaperi.
Copyright information for SnaBDSC